Mambokadzi we Shava

Kubva Wikipedia

Mambokadzi we Shava (kana Save, Nge. Sheba; Chihebheru: מַלְכַּת שְׁבָא‎, Malkaṯ Šəḇāʾ; Chiarabhu: ملكة سبأ,: Malikat Saba; Chige'ezi: ንግሥተ ሳባ), munhu akatanga kutaurwa muBhaibheri rechiHebheru. Munyaya yepakutanga, anounza karavhani yezvipo zvinokosha zvaMambo Soromoni weIsiraeri. Nhoroondo iyi yakatsanangurwa zvakadzama zveChijudha, Chiisiramu ne Itopiya, uye yazova musoro wenyaya yengano dzakapararira uye dzakaorera zvikuru muMabvazuva ePakati.

Vanhoroondi vanhasi vanoisa Shavi kuArabhia yekuChamhembe kuUmambo we Shava yemuYemeni yamazuvano. Uzima waMambokadzi unoboperwa pakati pevanhoroondi.

Zita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Sabha kana Shava izita renyika yokudhara inozivikanwa seSaba, asi Vashona vakabva kudhara vachiiti Shava kubva pazita revanhu vayo vavanoti vaShavi. Zita racho rinobva pashoko reChishona rokuti kushava zvichireva (trading) nekuti vaShavi vaishava ndarama nezvimwe wo kubva kuOfire (Ophir) r kuenda kuArabhia nedzimwe nyika.[1]

Mamwe mazita eShavi anonzi: Shavi, Shava, Shave, Sabha, Sabhi, Shebha, Savi kana Save (senge rwizi save, rakadanwa zvichiendarana nevanhu vakabva kuShavi kwacho senge Vasena, Varemba nevamwe wo).

Mabviro eruzivo:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. Simba Jama, 30-Gunyana-2021, "Remba concepts that Zimbos need to know: Part One…a closer look at vaShenji" thepatriot.co.zw