Mafashamo

Kubva Wikipedia

Mafashamo, guwe, makuwe kana guve (floods, not merely a flooded river) zvinoreva mvura zhinji inonaya ichizadza rwizi nokufashukira ichidarika mahombekombe erwizi yosvika painofukamira dunhu rakakomberedza rwizi.

Kune rwizi runonzi Rwizi Nyaguwe.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kufukaidza, kufukamira kana kufukaira (1. Flood, 2. Innundate,3. Cover with water) mazwi anoreva kuti mvura yazara pamusoro penyika seguwe kana mafashamo. Vamwe vatauri vanoti kufukanyira.
  • Mumazuva aNoah, mvura yakafukamira nyika yose: In the days of Noah flood water covered the whole earth.
  • Rwizi rwafashamira: the river is overflowing.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chewa vanoti lowe (a wet place in the ground) kureva murove.
  • Umbundu vanoti malilima (sound of rushing water or of the wind) kureva kuririma.
  • Yao vanoti lilima (to make a roaring sound as water in a rocky stream, or a bush fire) kuririma semapopoma.
  • Zulu vanoti thantala (ideo. of 1. flooding, overflowing). Umfula usuthe thantala emasimini (The river has now flooded over the fields).
  • MaZulu vanoti thantala (of spreading out as a sheet (of a stretch of water). Mamwe mazwi: umthantala (Sheet of water as of a lake or bay).
  • Venda vanoti -dala (v. be plentiful; become full; flood). Mamwe mazwi: mudalo (n. flood).