Dzinza

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMadzinza)

Dzinza (Chingezi: Line of descent, Tribe, Clan, Stock, Nation, a family) iboka revanhu vane tateguru wechirume mumwe kana madzitatetguru ane ukama nemutupo umwe. Vatauri vechiManyika vanodana zita redzinza kuti matumbwa. Dzinza rinomutswa nemwana mukomana wemhuri ndiye ega anogona kuzvara mwana ane mutupo wakafanana newake. KuchiShona mwanasikana kazhinji anoroorwa nemunhu ane mutupo wakasiyana; achinge aroorwa vana vaanozvara vanonzi ndevedzinza remurume akamuroora, baba vevana.

Mune dzimwe nhambo izwi rokuti dzinza rinoreva zvimwe nechinonzi rudzi or nation kuEnglish. Bhaibheri reChiNdau rinoshandisa izwi rokuti dzinza kuturikira nation.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Gumbwa (A name or appellation which is added to, or over and above, the baptismal or Christian name, and becomes a family name.)
  • Bambo (father) kana baba.
  • Madzinza (inherited quality; trait in character or occupation inherited from ancestors).

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Neni ndinozokuita dzinza guru: I will make of you a great nation. (Genesis 12:2 kubva muBhaibheri reChiNdau).
  • ... nemadzinza ose enyika anozobonda ngendaa yake: and all the tribes of the earth will mourn because of Him. (Revelation 1:7 kubva muBhaibheri reChiNdau).
  • Takunda amutsa madzinza ababa vake ekurima.

Mitauro ye Chibantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaNyungwe vanoti dzindza kana adzindza (clan, relative) kureva dzinza. VaSwahili vanoti mbari (family, clan, tribe).
  • VaLenje rokuti lisuwo kana suwo (nation; tribe) kureva dzinza. VaHerero vanoti chanda (n. caste, clan ship, corporation, family name).
  • VaMaconde vanoti litawa kana matawa (clan, ethinic group) vachireva dzinza kana rudzi. Kune chinonzi chidawo chinoenderana nemutupo.
  • VaZigula vanoti rheri (n. clan). VaDigo vanoti fuko (clan on mother's side) vachireva kureva dzinza rekwaMai.
  • VaHerero vanoti ulukhondolo (n. Inheritetl disposition or peculiarity ; inherited weakness or disease). Mamwe mazwi: ulukhondo (Track, trail, faint path).

Tarisai futi:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]