Kurungama

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKurungamisa)

Shoko rokuti kurungama (to be right, set right, upright, rectitude, straight, fair) rinotaura kuti chiro chakamira nemutowo wachakafanirwa kumira nacho. Kazhinji rinoreva kuti chiro chakajanjaridzwa kubva pachimire chakati tasa kuenda mudenga.

Kurungamisa (to rectify, to straighten, make fair).

Mamwe Mashoko[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kudendemadza (Make to sit up straight. 2. Set up) apa kureva kugariswa zvakanaka musana wakati twasu.

Kudendemara (Sit up straight. 2. Sit comfortably) apa kureva kugara pachigaro musana wakati twasu mudenga - magariro aya obva anzi dendemaro.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Dendemadza mwana pachigaro: make the child sit up straight on the chair.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaNdebele neMaZulu vanoti kulungile (That's right; Right ho!) vachireva zvarungama kana zvakarungama. VaTsonga vanoti lungha (upright) kureva kurungama.
  • MaZulu vanoti ukulungisa (Put in order, arrange, adjust; set as it should be, tidy) vachireva kurungamisa. MaZulu vanoti ukulungisa (Correct, rectify; chastise) vachireva kurungamisa.
  • VaYao neVaChewa vanoti kulungama (to go in a straight line) kureva kurungama. VaYao vanoti kulungamika (to go in a straight line; to be straight) kureva kurungamika.
  • VaGungu vanoti burungi (1. goodness, niceness; state of high quality that is acceptable and not bad. 2 • beauty, attractiveness. 3 • state of valuableness, preciousness), kureva kurungama.
  • VaNyoro vanoti burungami kana Burundi (beauty, goodness), kureva kurungama. VaHaya vanoti kirungi kana ndungi (good) vachireva kurungama.
  • VaMambwe vanoti ulungami (justice, righteousness, to be straight, even, level) kureva kurungama. Nsenga vanoti lungama (v. be level). Lungamika (v. make level).