Kupoterera

From Wikipedia
(Redirected from Kupota)
Jump to navigation Jump to search

Shoko rokuti kupoterera kana kupota rinoreva kuenda nenzira inotenderera. Mamwe mashoko anoreva zvimwe ndeanoti: kukomberera; kutenderera kana kumonereka, .

  • Potererai nekuseri ndiko kune musuwo wekupinda nawo.
  • Bhazi rinopoterera gomo kuti risvike pachikoro.
  • Kupotereka kana kutendereka (circulate as in blood)
  • Kumoneredza (1. Encircle. 2. Wind round) apa kureva kupoteredza.
  • Kudzengerera kana kudzemberera (Circle purposefully).
  • -dzengeredza (make to circle).
  • Kudzerereka kana kuzerereka (Turn round and round quickly). Chipo aizerereka pamuzerere wakasungirwa pamupfuti.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Mugwagwa unomonereka kwazvo uchinzvenga makomo: the road takes many twists and turns to avoid the hills.
  • Akamoneredza musha newaya: he ran a wire round his homestead.
  • Gondo rinodzengerera pamusha kana raona huku: a hawk will circle about a village when it has seen a fowl.
  • Waswerodzengeredza mombe pasina uswa, kusaka dzine nzara.

Mazwi eBantu[chinja | edit source]

  • VaKagulu vanoti -bota (v. spin, twist). Vatauri veUmbundu vanoti pota (spin).
  • Mang'anja vanoti ku-pota (to go round and round) vachireva kuposa kana kupoterera.
  • Mang'anja vanoti kukweta (to turn). Mang'anja vanoti kukwetama (to go round; to turn) vachireva kupoterera.
  • Mang'anja vanoti kukwetera (to go round; wind) vachireva kupoterera.
  • Mang'anja vanoti madzi akwetera pa pote (the water whirls at the pool) vachireva mvura inomonerka padziva.