Kunyenga

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti kunyenga (court-ship) rinoreva zvinoitwa nemukomana zvokufambira musikana achitsvaka kuwirirana naye kuti vapinde muhukama hwerudo. Nokumwe kutaura kunyenga kunonzi kupfimba kana kuti kukonya.

Nguva yekupfimbana tingaitora senguva yokunga vanhu vasati vavimbisana kuroora, vasati vapana nduma kana kuita zvimwe zvirango zvokuzivisa vakuru kuti vanoda kuwanana.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Zvinakisi ndizvo zvikondori zvomwoyo. Things which are good but overdone will one day disappoint.
  • Mwana wegomba inhimbanapasi sehwevera. The child of a male adulterer is destructive like a cutworm.
  • Gomba rinosiya rauraya muridzi womukadzi.
  • Gomba harina mwana. A (male) adulterer has no child.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya.

  • Chewa inoti kukonda (love, like, cherish, prefer). Mamwe mazwi: kukonza (v. to decorate, make oneself tidy, to dress food, garnish, ornament, prepare - make ready) kureva kushongedza.
  • VaNyoro vanoti okugonza (to love; affection) vachireva kuda. VaNyoro vanoti okugonzewa (to be loved) vachireva kudiwa.
  • VaNyoro vanoti egonza (flatter; fawn on) vachireva kunyenga.
  • Mang'anja vanoti nyenga kana kunyengera (beguile; entice), kureva kunyengera.
  • VaIkizu vanoti okʉkonza (hospitality, generosity). Fananidzai nokuti makonzwa?