Makonzwa

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Mugari ane Makonzwa munyika (permanent resident kuChirungu) munhu akatamira munyika achibva kunze asati agamuchidzwa husanyika asi aine mvumo yokugara munyika iyi. Munyika zhinji mugari ane makonzwa anopiwa mvumo pazvinhu zvinoti: kugara munyika; kushanda munyika; kuenda kuchikoro; kuripa mitero nekugashirawo zvinobva pakuripa mitero yacho. Asi mugari ane makonzwa haatenderwi kuvhota kana kukwikwidza musarudzo dzematongerwo enyika. Makare munhu ainzi ane makonzwa kana agamuchirwa mumusha kuva senhengo yemusha uyu.

Permanent residency inenge yonzi hugari hwemakonzwa.

  • Kukonza (take up permanent residence) apa kureva kugara panzvimbo zvokuti wava wepo usisiri muenzi kana Mutorwa.

Zvirevo[chinja | edit source]

  • Kugara hunzwana (navamwe). In order to get settled (at a place) one should be on good terms with the neighbors.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • Izwi rokuti gutsindaza (stay in one place permanently) rinotaurwa mururimi rweKirundu.
  • VaIkizu vanoti okʉkonza (hospitality, generosity). Fananidzai nokuti makonzwa?
  • VaLozi vanoti -koza (v.i. to apply to a foreign ruler for protection; to live in peace).
  • VaLozi vanoti -kozisa (caus. (to welcome a refugee and allow him to settle down)
  • VaLozi vanoti -kozeleza (int. to live permanently under a foreign ruler). Fananidzai nokuti makonzwa.