Nduma

Kubva Wikipedia

Nduma (Token given at engagement) chiratidzo chinopananwa pakati pemurume nemukadzi vari kuvimbisana kuroorana. Chiratidzo ichi chinopananwa pamberi patete vemusikana uye chinotaura kuti "Chengetai musikana wangu ndiri kudzoka kuzomuroora".

Kazhinji nduma inopiwa iri nhumbi yemukomana achipa musikana wake, uyuwo musikana achipa chipfeko chake kumukomana wake. Somuenzaniso mukomana anokwanisa kupa musikana mudhebhe kana bhachi rake; uyuwo musikana anokwanisa kupa mukomana rokwe kana bhurauzi

Mushure mokunge varoorana vaviri vanopa zvipfeko izvi kuhanzvadzi dzavo.