Mate

From Wikipedia
(Redirected from Kugupa)
Jump to navigation Jump to search

Mate (Saliva) zvinoreva mvura-mvura inowanikwa muakanwa inokonzera mukanwa mugare muri munyoro. Mate anobatsira pakuwotesa zvidyo panguva yekutsenga.

  • Rute, rutwe, marutwe kana masiriri (drool; saliva spilling from the mouth) zvinoreva mate ari kudonha era pamurormo wemunhu.
  • Kugupa mate (secrete saliva) zvichireva kusvipa mate.

Mazwi eBantu[chinja | edit source]

  • Lenje vanoti lute kana mate (viscous, sticky fluid e.g. white of an egg) kureva rute. Lenje vanoti shipa mate (v. spit) kureva kusvipa mate. Iton vanoti e-té (n. spittle).
  • Umbundu vanoti olute (n. saliva, slobber) kureva rute. VaGwere vanoti luta kureva rute. Barotse vanoti lwenge (n. saliva dribbling from the mouth).
  • VaWanga vanoti amare (n. saliva, spittle). Lomwe vanoti otapha (v. spit) kureva kupfira mate. Chuwabo vanoti dondori (v, slobber) kuita masiriri.
  • MaZulu vanoti silila (move slowly). Mamwe mazwi: ulusilili (Slowness, reluctance, hesitation). Shilenge vanoti kuxiririka (v. to trickel). Fananidzai nokuti masiriri?