Kufuta

Kubva Wikipedia
A front and side view of a "super obese" male torso. Stretch marks of the skin are visible along with gynecomastia.
Murume akafuta zvakanyanya MHM 47 kg/m2: huremu 146 kg (322 lb), hurefu 177 cm (5 ft 10 in)

Muzvizdzidzo zvehurapi kufuta (Obesity in English) zvinotaura kuwanda kwemafuta mumuviri kunenge kwasvika padanho rokugona kukanganisa hutano hwemunhu, kukonzera hurwere kana kudamburira hupenyu hwemunhu pakati. Munongedzo weHuremu hweMuviri (Body Mass Index) chikero chinofananidza huremu nehurefu hwemuviri wemunhu. Chikero ichi chinoti huremu hwemunhu hwapfuura mwero kana Munongedzo weHuremu hweMuviri huri pakati pa 25 na 30 kg/m2, munhu akadarika 30 kg/m2 anenge ave kunzi afutisa. Tsazaniso inotsvagiswa Munongedzo weHuremu hweMuviri inonyorwa sezvizvi:

Munongedzo weHuremu hweMuviri, MHM = Huremu/(Hurefu)2 kg/m2

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kune dzimwe tsika, munhu akafuta anoonekwa kunge munhu ane mari yakawanda. Izvi zvinenge zvinodaro nokuti ana muzvina bhizinisi vakawanda vakafuta vaine matumbu akakura.
  • Mukutaura kwemazuva ose kunonzi Munhu ari kusimba apo panenge pachirehwa kuti ari kufuta.
  • Mutauro wechimanje manje unotaura uchiti munhu ari kuwanda kana kuti mudhafu.
  • Kakara kununa hudya kamwe.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaBemba vanoti nona (be fatty or oily) vachireva kununa. VaDigo neVaGiryama vanoti kunona kana nona (to be fat, to get fat) vachireva kununa.
  • VaUmbundu vanoti kola (v. s., be great; strong, solid, firm). VaShambala vanoti azaneneka (he is fat) vachireva akafuta.
  • MaZulu vanoti nonisa (1. make fat. 2. Please, make comfortable. 3. Make interesting, improve) kureva kununa. VaNande vanoti erinuna (exude fat) kureva kununa.
  • MaZulu vanoti ukunonisa amagama (to qualify or moderate words). Mamwe mazwi: ukunonisa indaba (to make a story interesting).
  • MaZulu vanoti dilika (v. Be very stout (lit. be hanging with fat) vachireva kufuta zvokurembera mafuta. Lela vanoti nòoká (be fat).