Kugovanisa
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuGovaniswa)
Muchidzidzo masvomhu, kugovanisa (division in English) chiitiko chinoshandiswa kutsvaga kuti nhamba inokwana kangani (kana kupinda kangani) mune imwe nhamba. Somuenzaniso kana kuchitsvakwa kuti 3 anopinda kangani muna 6, kunonyorwa sezvizvi:
- 6 ÷ 3 = 2
Kuunga kune hukama nekugovanisa; zviitiko izvi zvine simba rinoita zvakapesana sezvizvi:
- 6 = 3 * 2
Kujekesa
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Maonero maviri
Ngatitarisei muenzaniso
- a ÷ b = c
- Kugovanisa tinogona kuonesana sokutora boka rine nhengo a, nokupatsanura nhengo idzi kuchigadzirwa mapoka b akaenzana pahuwandu hwenhengo dzawo. Huwandu hwenhengo c hunodanwa kunzi mungani - quotient in English
- Govaniso inokwanisa kutsanangurwa sokutora boka rine nhengo a, nokuwumba mapoka rimwe nerimwe rine nhengo b. Huwandu hwemapoka aya, c, ndiwo mungani cha a na b.
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Zvakakosha kuti pawanikwe kuturikira kwemashoko anozivikanwa kare kuEnglish, uye kujekesa kuti huwandu huri kugovewa ndeupi:
- Dividing inenge ichinzi kugovanisa.
- 10 divided by 2, :10 ÷ 2 = 5 inenge ichinzi Gumi (10) kugovaniswa pambiri (2); kana kuti govanisa gumi pane mbiri. Apa tinoda kuti zvijeke kuti zvinhu 10 ndizvo viri kugovewa
- Mugove (dividend)
- How many times does go 2 into 10 kunonzi 2 anopinda kangani muna 10.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaVenda vanoti mukovho (n. division).