Njodzi

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKubangaradza)

Njodzi (danger, misfortune, hazard, risk, ill-luck) zvinoreva chinhu chinokwanisa kukonzera tsaona inokuvadza kana kuuraya. Tsaona ingava inokuvadza vanhu, muchina, muchovha, zvivakwa kana nzvimbo dzakakomberedza.


Mukusiyanisa njodzi netsaona pano tiri kuedza kuturikira mashoko anoshandiswa kuEnglish kuti tikwanise kusiyanisa zvinhu zvatiri kutaura kumabasa neChirungu mazuva ose. Shoko rokuti incident richaturikirwa pano richinzi kuwirwa nenjodzi.

  • Chivandira zvinoreva njodzi yakavandika isati yaonekwa kana kuzivikanwa.
  • Chikotera (Dangerous situation from which there is no escape).
  • Bosho (danger from which one escaped, a great danger) apa kutaura njodzi yawakapunyuka. Izwi iri rinokwanisa kuturikira near miss.
  • Pfumvu, netso kana njodzi (danger; trouble).

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kunyanyomhanyisa motokari kune njodzi yokuzotadza kudzora motokari pamugwagwa zvinokonzera tsaona.
  • Kubatidza mwenje werambhi pane machira kune njodzi yekuti machira anobata moto pedzezvo imba yose yotsva.
  • Kunwa mvura yacherwa mugapwa kune njodzi yokuti mvura iyi inogona kunge ine hutachiona hunounza zvirwere.

Mhando dzeNjodzi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Idzi ndidzo dzimwe mhando dzenjodzi dzinowoekwa kumabasa:

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]