Karoi

Kubva Wikipedia

Karoi idhorobha riri mudunhu reMashonaland West, muZimbabwe. Zita renzvimbo iyi rakavapo mushure mekuge maitika nyaya dzakasiyana siyana.Nzvimbo iyi yakava nemukurumbira wemadzimai ayishanda husiku vangadedzwa muchivanhu chedu sevaroyi. Mushure mekunge vabatikidzwa kwayedza nguva dzakati wandeyi vagari venzvimbo iyi pamwe nevavakidzani vakaona zvakakodzera kuti nzvimbo iyi ipiwe zita rinoenderana nemabasa evagari vemo

Karoi inowanikwa makiromita makumi masere nemashanu (53 maera) kubva muguta reChinhoyi iri guta guru riri pedyo,[1] uye makiromita mazana maviri kuchamhembe nechekumadokero kubva muHarare.[2] Dorobha reKaroi riri mumugwagwa mukuru weA1 pakati peHarare neChirundu, pamuganhu weZimbabwe neZambia, iri makiromita 170 kuchamhembe nechekumadokero kubva muKaroi.[3] Mitsetse yakatarwa yakati sambamba yeKaroi inoti: 16° 48' 36.00"S, 29° 42' 0.00"E (Mbariro yeTaranyika:16.8100; Mutandariko weTaranyika:29.7000).

Mudhorobha reKaroi munowanikwa muzinda weKaroi District Administration. Rakakomberedzwa nemapurazi anorimwa fodya inobadara zvikuru.

Zita reKaroi rinoreva kuti "kamuroi kadiki". Mugore 1945 Karoi yakava nzvimbo yakapiwa kunyanya varungu vari varwi vehondo yepasi rose yechipiri vakawana rubatsiro kubva kuhurumende kuti vatange zvekurima fodya.

Mugore ra1992 kwakava nekuverengwa vanhu mudhorobha reKaroi kufungizirwa kuti huwandu hwaisvika pa14,763. Mugore ra2004, kwakafungizirwa kuti huwandu hwaisvika pa25,030.

Karoi ine masabhabha anonzi Chikangwe iri pachinhambwe chema makiromita maviri (1.2 maera), nechekumabvazuva nechepakati panoitirwa zvimabizimisi (CBD).

Mitauro yeChiBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

References[chinjirudza | chinjirudza mabviro]