Josiah Chinamano

Kubva Wikipedia

Josiah Mushore Chinamano (akashaya 1984) igamba rehondo yeChimurenga yakarwiwa nechinangwa chekusunungura nyika yeZimbabwe kubva kuutongi hweudzvanyiriri hwevarungu vakabva kuBritain..

Josiah Mushore Chinamano wakarwa muhondo yechimurenga achibata ari mubato Zimbabwe African People's Union (ZAPU). Mushure mekunge nyika yasununguka VaChinamano vakashanda muhurumende vari gurukota re Transport.

Chinamano ndiye aiva mutevedzeri waJoshua Nkomo - vaviri ava vakanga vaine mifungo yakafanana pamusoro pezve matongerwo enyika. VaChinamano nemudzimai wavo Ruth, Joshua Nkomo na Joseph Msika vakasungwa nehurumende yaIan Smith vakapika jeri mugore 1964. Hutungamiri hwevarume ava vachikokera vanhu munguva yechimurenga hwakatyisa hurumende ya Ian Smith.

Vatungamiri vana ava vakaita makore vasingaonane nemhuri dzavo vari mujeri ku Gonakudzingwa Restriction Camp.

Smith akagombedzerwa nezvematongerwo enyika akadzamara akasunungura vatungamiri ava. Mushure mekubuda jeri VaChinamano vakaenda mberi nebasa reChimurenga.

VaChinamano vakashaya mugore 1984 vakaradzikwa pa National Heroes Acre mu Harare. Vakasiya vanakomana vaviri, mwanasikana mumwe nevazukuru vatatu.