Svetuka kuchirochemo

Rukova

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuHova)

Rukova (n. brook) pahuwandu tichiti hova.

  • Gova (dry river bed - drained or marshy in summer).
  • Rukovana (little stream) kureva rukova rudiki. Pahuwandu toti hovana. Aya mazwi haataurwi kazhinji kuShona.
  • Rukova rwizi kuyambuka unotokwinya nguo.
  • Tsumo iyi inoburitsa pachena kuti VaShona vaisiyanisa chinonzi rukova nerwizi. Chatingareva zvisinakupokana ndechekuti Zambezi haanganzi rukova, asi tototi rwizi nokuda kwekukura kwarwakaita.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • VaTsonga vanoti nkova (n. valley). Chopi vanoti nkova (n. damp ground near a river). Bena vanoti mukoga kureva rukova. Zigula kono kana makono (arm of a river).
  • Yao vanoti nduluko (the source of a stream). Mamwe mazwi: lusulo kana kasulo (stream) kureva kakova. VaGanda vanoti lukoba (a strap; belt, whip; lash). Chuma sezita
  • Lozi vanoti -minyauka (v.i. to meander (river), to snake, to wind about, to zigzag; 2. to wriggle, to frisk). VaNyoro vanoti rukoba (a strap).
  • VaBukusu vanoti kumwoombe (n. course or bed of a river). Herero vanoti hova (v. to go through a river lengthwise) kufamba murukova uchirutevedza.
  • Herero vanoti okusurumuka (v. swelling of a river). Mamwe mazwi: omusuro (n. swelling on the body, boil, tumour). Sura (pp. swollen).