Chihara

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuHara)
Chihara chakashongedzwa nemabwe akakosha

Chihara (sheath, scabbard) zvinoreva chihomwe chinoshandiswa kuchengetera banga, bakatwa kana munondo; nguva zhinji chihara chinenge chakarukwa nedehwe uye chinosungirwa muchiuno kana munhu ari kufamba nechombo chacho.

Nokumwe kutaura chinonzi hara; zvakawanda zvonzi makara. Vamwe vanoti gwaraba.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Makara, muhara, mahara.

Mazwi eBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaKongo vanoti kutu (Scabbard; sheath) kureva homwe inopfekerwa banga kana munondo.
  • VaWanga vanoti okhutsoma (Sheath, insert) kureva kupfekera muhomwe kana chihara.
  • VaWanga vanoti okhutsomola (unsheath, pull out from sheath or socket; withdraw) vachireva kusvomhora.
  • Baila vanoti ku soma (to sheathe) vachireva kupfekera muchihara.
  • Baila vanoti muntemba (Sheath of arrows) kureva chihara chemiseve.