Gweta
Jump to navigation
Jump to search
Gweta (lawyer) munhu akadzidza zvemitemo kusvika padanho rekuUniversity, munhu uyu anoita mabasa anotevera:
- Kupa mazano pamusoro pekubatwa kwemabasa zvinoenderana nemitemo.
- Kumuririra vanhu mumatare anotonga mhosva.
- Kubatsira kunyora pasi zvibvumirano zviri maererano nemutemo.
- Kududzira mutemo kune avo vangada kuziva.
Mamwe magweta vanozivikanwa kunyanya munhoroondo yeZimbabwe ndeava: Herbert Chitepo, Tendai Biti, Eric Matinenga, Beatrice Mtetwa, nevamwewo.