Tendai Biti

Kubva Wikipedia

Tendai Laxton Biti akambobata basa sa Minister of Finance muZimbabwe, panguva yehurumende yemubatanidzwa (GNU) kubva mugore ra 2009 kusvika mugore ra 2013. Parizvino Biti ndiye mutungamiri we People's Democratic Party (PDP) mushure mekusiya chigaro se Munyori Mukuru weBato. Musi wa 29 Gunyana 2017, bato ravanotungamira rakapatsanurana nenyaya yekuti Va Biti vakabatana naVa Tsvangirai mu MDC Alliance Muna Kukadzi 2022, VaTendai Biti, vakambovharirwa nemapurisa kwemaawa akawanda vachikurudzira sarudzo muHarare, mutauriri webato ravo.

Kukura Kwavo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Biti akaberekwa kuDzivarasekwa, Harare, akadzidza kuGoromonzi High School kubva gore 1980 kusvika 1985. Akanopinda kuUniversity of Zimbabwe mugore ra1986 achidzidza Mutemo (law). Ari paUniversity akabata chinzvimbo cheMunyori Mukuru weStudents Union , munguva iyi akatungamira vadzidzi kuratidzira vachipokana nekumbunyikidzwa kwaiitwa vadzidzisi vairambidzwa kutaura pfungwa dzavo zvizere. Paakapedza kuUniveristy Biti akanotanga basa neKambani yemagweta Honey and Blackenberg achizova mumwe wana muzvinabhizinisi ava nemakore 26. Muna Kukadzi 2022, VaTendai Biti, vakambovharirwa nemapurisa kwemaawa akawanda vachikurudzira sarudzo muHarare, mutauriri webato ravo.

Tarisa chinyorwa chinonzi Maheu.