Dziva reMvura
Dziva kana gangwa inzvimbo parwizi ine mvura yakadzika kudarika dzimwe nzvimbo dziri parwizi urwu. Kana rwizi rwasvika pane dziva mvura inoyerera zvishoma kana zvichienzniswa nekumhanya kwemvura pane dzimwe nzvimbo parwizi urwu dzisina dziva. Dziva rinowanikwa panzvimbo yakadzikira pane nhika pokuti mvura inokwanisa kuwunganapo.
Dziva idiki zvakanyanyisa pane nyanza dzakaita seNyanza Malawi kana Nyanza Tanganyika.
- Hwenje kana bwenje (a deep pond). Kudunhu reChiweshe kune dhamu rinonzi Mwenje Dam.
- Dandadziva kana matandadziva pahuwandu (Long pool). Usatambe kumatandadziva, unorumwa namakarwe: do not play in the long deep stretches of the river, you will be eaten by crocodiles.
- Dumbwira, kunyumbwira kana kutubuka (Bob up and down on the surface of water).
- Gandwa kana makandwa pahuwandu (a pool or a swamp) paChiNdau.
Zvinogara muDziva
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Chikamu cherwizi chine dziva chinokwezva mhuka dzingadaro dzichinetseka nokugara pane mvura inomhanya zvakanyanya pakuyerera, kana kuti kugara pane mvura inodziya zvakanyanya pane mimwe mwaka. Madziva anokosha zvakare paugaro hwehove diki, zvikurusei kana dzimwe nzizi dzichinyanya kudziya munguva yechirimo uye dzisina mvura inoyerera yakawanda.
- Rwizi rwakazarisa, mvura yakadzamba nhivi dzose: the river was in flood, the water flooded both banks.
Tsumo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Aiva madziva abe mazambuko.
- Chidziva mudingwi ndicho chinogara ngwena. It is in the silent pool that crocodiles live.
- Chidziva chakadzikama ndicho chinogara ngwena. It is in the quiet pool that crocodiles live.
- Pachapwa madziva miramba tichanyurura. When pools dry up, we shall catch barbel.
- Pachapwa madziva mahono tichanyukura. When pools dry up, we will catch big fish.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Baila vanoti izhiba (pool of water, a lake) kureva dziva remvura. VaGanda vanoti kidiwa (n. a lake, pond, pool) vachireva dziva.
- VaTaita vanoti izia kana ndiwa (pond) vachireva dziva. VaDigo vanoti ziya (n. lake), vachireva dziva.
- Maconde vanoti litanda kana matanda (lake, pool, puddle). Kikagulu inoti luanda (n. lake) kureva nyanza.
- Zigula vanoti ziwa (pond, lake) kureva nyanza kana dziva.
- VaVenda vanoti dzivha (n. lake), kureva dziva remvura. VaUmbundu vanoti ochiva (pool, lake), kureva dziva remvura.
- Chewa inoti bondo (bay, harbour). VaTonga vanoti idambwa kana madambwa pakuwanda (n. a pond) vachireva dziva remvura.