Dumbu remuviri
Mataridziko
Dumbu (stomach) inhengo iri mukati memuviri inova chikamu chenhengo dzinotakura nokuseredzera chikafu. Mukati medumbu munonzi mudumbu, vamwe vatauri vanoti mundani kana kuti mbwata - belly.
- Mhambarirwa (Person or object for whom food must be sought) apa kureva kupambara uchitsvaka mudyo wekudya kudzinga nzara.
- Matumburira kana hutsatumbu (Abdomen, just below navel) chikamu chedumbu chiri zasi kweguvhu.
Tsumo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Igangaidza mukwenyi mhezi kuvavira mudumbu.
- Nhumbu imhambarirwa: hunger is a driving force.
- Nhumbu mutseye haitauri chayadya. (mutseye: feeble person). The stomach is a feeble person, it does not reveal what it has eaten.
- Nhumbu iziso risingatauri zvaraona.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Chitambuzenene, nyabwata kana chitambuzviyo (1. Protruding stomach, 2. Person with protruding stomach) apa kureva chitumbu. Zvichida izwi rokuti nyabwata rinotodzana nezita rokuti Nyaruwata?
Mitauro yeChiBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mang'anja vanoti kwabve kana kwebwe (large bellied; a paunch, not only when one has eaten much but constitutionally).
- VaGungu vanoti nda (Stomach, abdomen, belly) kureva dumbu. Uteyi kuMozambique vanoti ndani (Stomach, abdomen, belly) kureva dumbu.
- VaGiryama vanoti ndani (Stomach, abdomen, belly) kureva dumbu.
- VaChewa vanoti mimba (belly) kureva dumbu.