Kuunzika

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuChiunzikiro)

Kuunzika (to concentrate) riri kushanda pane kuturikira chinonzi concentrating kuEnglish - izvi zvinoreva kuungira muchegwa wakakosha uchisarudzwa kubva kune muchegwa wemambara. Muchegwa wakakosha ndiwo matombo akatakura simbi; aya matombo anochengetwa achipinda mune dzimwe shandura dzinowedzera chiunziko chesimbi. Chinangwa chekuunzika ndechekuti pakupedzisira pave nemuunzikwa wesimbi wakapfuma, simbi ichiwanda kudzamara yasvika pakunatswa. Muunzikwa ishoko riri kuturikira chinonzi concentrate. Kambani yeUnki iri kuShurugwi ine mugodhi unotengesa muunzikwa weplatinamu - platinum concentrate.

  • Kuunzika (accumulate, gather together, heap together, to concentrate).


Muchegwa wemanyara (gangue mineral) zvinoreva muchegwa uri muchitofu unoraswa nokuti hauna mari. Mambara ndiwo matombo asiri kudiwa 5asina kukosha; aya matombo anoraswa kumotoro achingobva pasi pemugodhi.

  • Kupungunura (remove waste or to remove from waste). Apa izwi iri riri kutodzaniswa nerinoti bungu rinoreva guri rinosara risina tsanga pakutonongora.
  • Mapungu (tailings kuEnglish) kureva izvo zvisina simbi kana zvine simbi shomanana zvinoraswa panokukutwa muunzikwa wesimbi.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mukutaura kwemazuva ose, kuunzika (accumulate, gather, heap together) zvinoreva kuunganidza semhurwi panzvimbo imwe.

  • Chiunziko - Shoko iri riri kuturikira chinonzi concentration kuEnglish rinoreva huwandu hwesimbi sechikamu kubva muzana. Huwandu hwesimbi huri kucherechedzwa hunokwanisa kunge huri huremu kana mumhu. Sokuti Kopa inobuda muchigayo yave nechiunziko chinodarika 40%.
  • Chiunzikiro - izwi riri kuturikira chinonzi concentrator zvinoreva mubisho unoita mabasa anokombodza simbi, huwandu hwacho muchiyero chemumhu kana huremu huchiwanda. Kufashaidza mvura ine munyu kunounzika huwandu wemunyu mumvura yacho.
  • Anoparika, anoparika pachipari. Anopfimbika, anopfimbika mupfimbi. Anounzika, anounzika paunzi. Shoko rokuti munzi rinoda kutodzana neanoti: munzi, nyunzi kana nyunzvi - kutaura muromo wakapinza - sharp point. Saka kuunzika zvoreva kuunza zviro papoyindi kana paunzi zvinovona zvimwechete neshoko rokuti concentrating

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chewa vanoti unjiko (to heap up, to gather scattered items) kureva kuunganidza. VaChewa vanoti kuunjika (pile up, heap up, accumulate).
  • Kimbundu vanoti -lunjika (n. accumulate). VaKongo vanoti totakana (v.i. to adjoin, be near, to join together) kureva kubatana.
  • VaKongo vanoti totakesa (v.cause place in contact, adjoining, near, to put near, put touching) kureva kubatanidza.
  • VaTiriki vanoti vuvunjikha (collection) kureva mukumbanidzwa. Mamwe mazwi: muvunjikha kana vavunjikha (n. collector) vachireva muunzika.
  • VaLenje vanoti songa (press together, heap up, pile up, cram, give full measure). VaDigo vanoti tsadzira (to accumulate) kureva kuunga.