Kuchinya
Mataridziko
Kuchinya, kuchinyikara, kuchinyidza kana kushatisa (damage, destroy, spoil, waste, ruin, extravagant) zvinotaura kushandisa nhando kwechinhu chiri kufanirwa kunge chakachengetedzeka kana kushatiswa kwokuti hachizoshandazwe nenzira yakarurama.
- Muchinyi (a spendthrift; someone who wastes).
- Kuchinyidzira (spoil for someone; destroy something belonging to someone).
- Kuchinyika (become spoiled; be destroyed).
- Chinyikirwa (have a miscarriage). Izwi iri riri kutodzaniswa nerinoti chinyikigwa rinotaurwa kuKalanga.
- Muchinyikiro (costs; expenses; damages; losses sustained). Izwi iri riri kutodzaniswa nerinoti chinyikilo rinotaurwa kuKalanga.
- Shovu (Wasteful person).
- Hushovu (wasteful person).
- Kushanja (to play with things, throw things around, be wasteful).
- Kuchinya (to sin, to wrong) zvinoreca kutadza.
- Kuchinyira (to sin against, to wrong) zvinoreca kutadzira.
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Usachinya sipo vamwe vanoda kugezawo - do not waste the soap others want to bath.
- Chinyiko, nyamadzi, nyangadzo (waste materials, loss) zvoreva zvacho zvarasika.
- Kuchinyika (be damaged, spoiled) kureva kushatiswa, kushatsa, kana kuipisa.
- Usa chinya mafuta ekubikisa: do not waste the cooking oil.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaGiryama vanoti kuononga (to damage; to destroy, to spoil) vachireva kuwondonga kana kuondonga.
- Nyungwe inoti -dzongeka (v. ruin) kureva kudzongeka. Maconde inoti -ondonga (to destroy) kureva kuwondonga.
- Barotse vanoti businyi (n. act causing damage) kureva huchinyi.
- Basotho vanoti ho senya (to waste; to spoil; to damage) kureva kuchinya.
- MaVenda vanoti -tshinya kana -tshinyadza (v. damage) kureva kuchinya. Mamwe mazwi: tshinyalo; tshinyadzo (n. damage).