Chiambani

Kubva Wikipedia

Mazwi okuti chiambani kana chinyahumwe ari kushandiswa pano kuturikira chinonzi communism kuEnglish. Izwi rokuti humwe rinoreva basa rinoshandwa nevanhu vemhuri dzakasiyana dzakatenderana kushanda pamwe - vamwe vatauri vanoti nhimbe. Munyika dzine chiambani vanhu vanoita mushandirapamwe pamubisho, vose vari vene venhumbi uye zvibereko zvemubisho wavanoshanda. Banze iri harina bwana kana mushandirwi anonzi ndiye mwene wemubisho, munhu wose muridzi uye munhu wese mushandi, pasina anoti nzvimbo, zvombo nemari ndezvangu.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaBukusu vanoti khúú.aambaana (cooperate, unite, stick together, adhere, be consolidated). Mamwe mazwi: khúu.aambasya (vtr. join together, side by side, unite, add on).
  • VaBukusu vanoti búú.aambane (n. state of fellowship, quality of fellowship, union, cooperation, association). Mamwe mazwi: búú.aambani (n. fellowship, union, cooperation, association).
  • VaLenje vanoti ambana (1. come close; 2. Be or get close together) vachireva kuva vepedyo, vadyidzani. Fananidza nezwi rinoti: commune - (be in intimate communication or rapport).
  • VaHerero vanoti oupanga (having all things or property in common, communism) kureva magariro ekushandisa nhumbi nepfuma pamwepo.