Humwe

Kubva Wikipedia

Humwe, gumwe kana nhimbe (hoeing bee, cooperation in field work) - Munyika yeZimbabwe mumaruva, mune tsika yakatanga kare kare iyo masahwira nemhuri dzakavakidzana dzaikokana kubetserana mabasa akaita sokurima, kushakura kana kuvaka dzimba. Basa rinoitwa nevanhu vanokokwa ava ndiro rinonzi humwe. Mazuva ano, ruzhinji mumaruva runoshandisa shoko rokuti mushandirapamwe panzvimbo yeshoko rokuti humwe. Vanhu vanozvipira kushandira humwe havatarisiri kuwana mugove kubva mubasa ravanenge vaita.

Kana kuchirehwa munhu anoshandirana nevamwe mune zvakarurama vamwe vatauri vanoti humwe kana kuti mukutsirani.

Apa vanhu vomunhuraunda vanoungana kuti vabatsire munhu ava koka.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Uri kwake-uri kwake, musangano uri panhimbe.
  • Mai Munyarari vakangwarira panhimbe.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mime mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • Zigula vanoti chiwiri kana viwiri (n. communal labor; joint efforts) kureva nhimbe.
  • Chewa vanoti chiwira kana dima (communal cultivation of each other's gardens).