Chinyambiru

Kubva Wikipedia

Mazwi anoti chinyambiru kana chinyanondo ari kushandiswa kuturikira chinonzi Capitalism kuEnglish. Apa mbiru zvichireva shongwe (pillar).

Kupiwa Kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Izwi rokuti capital kuEnglish rinobva padzitsi rinoreva musoro - capitus - izvi zvakanangana nokududza chinhu chikuru kana munhu mukuru panzvimbo. Kana ari munhu kureva kuti ndiye samukuru kana musoro webishingo. Kana chiri chinhu kureva kuti ndicho chikuru kana chakanyanya kukosha pane zvose. Kana iri mari zvoreva kuti iyi ndiwo mari inoshandiswa pakuvamba bhizinisi - seed money kana starting money.

Zvakakosha kuzivisa kuti mazwi okuti chinyambiru kana chinyanondo haako kuShona - apa kuzama kuumba mutauro chete. Kana izwi riri nani rawanikwa chinyambiru kana chinyanondo achabviswa.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Gombe, gombwe kana gongwa (influential person, very rich man).
  • Nondo (seedling e.g maize or vegetable seed; a very young plant which has grown from a seed) zvinoreva dzinde ndiki rakamera kubva pamhodzi; kana uri muriwo kazhinji unosimwa patsva wakataranzwa zvakafanira.
  • Mbiru (pillar; key person) apa kureva shongwe inotsigisa denga remba huru.