Charumbira sezita

Kubva Wikipedia

Charumbira izita rinowanikwa muZimbabwe. Kurumbira zvinoreva kuva nemukurumbira; - saka Charumbira izita rakapuwa Mambo Mudavanhu mwana waChainda werudzi ravana Shumba Sipambi vakaita mambo aiva nemukurumbira ari mwana mudoko (sezvo aiva gotwe) kusvika vanzi Charumbira.

  • Vanhu vane zita iri: Nyaradzo Charumbira; Tafara Charumbira; Olivia Charumbira; Chief Fortune Charumbira.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeAfrica, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Pane tarisiro yekuti mitauro yeAfrika inotodzana mazwi.

  • MaZulu vanoti lumba (thank) kureva kupa kutenda. Mamwe mazwi: lumbila (v. thank, express gratitude, praise) kureva kupa kutenda.
  • Chewa vanoti kulumbira (adjure - to bind on oath), kureva kupika kana kuita mhiko. Mamwe mazwi: olumbirira (adjurer - one swearing an oath), kureva uyo ari kupika mhiko.
  • Mambwe vanoti -lumbisya (make famous, renowned; glorify, praise highly) kupa mukurumbira. Mamwe mazwi: -lumbilizya (1. talk well or ill of, give a person a good or bad reputation; 2. to mention).
  • Herero vanoti rumbira (v. cock as a gun, to bend the bow) kukoka pfuti. Mamwe mazwi: rumba uta (v. bend the bow; draw a bow). Rumbira (v. tie tightly).