Charumbira

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Charumbira izita rinowanikwa muZimbabwe. Kurumba zvinoreva kumhanya; kurumbira zvoreva kumhanyira - saka Charumbira zvinogona kureva chamhanyira.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mime mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • VaChewa vanoti lumbira (to take an oath; to swear), kureva kupika kana kuita mhiko.
  • VaChewa vanoti kulumbira (adjure - to bind on oath), kureva kupika kana kuita mhiko.
  • VaChewa vanoti olumbirira (adjurer - one who swear with an oath), kureva uyo ari kupika mhiko.
  • VaLuganda vanoti lumba (to invade) vachireva chapinda chichirwisa.
  • Vatauri veHerero vanoti rumba kana rumbira (bend the bow) kureva kukunga uta.