Kutsvitsa
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuChakafishika)
Shoko rokuti kutsvitsa kana kuti kuvanza (being secretive) rinoreva kuita zvinhu muchivande uchivanzira vanhu vari munharaunda.
Saka pano tingaturikira secret tichiti chakatsvitswa kana kuti chitsvitswa.
- Chakavanzika kana chakafishika (secret, mystery, that which is hidden).
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Secretly inonzi kuvaravanda, muchivande kana chiverevere.
- Secretiveness inoturikirwa kunzi ruvaravando.
Zvirevo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kurebesa muromo unodya chomwedzi, cherima hauchiwani. If you talk too loud and too much, you will (only) eat something done in moonlight but not something done in darkness.
- Kurebesa muromo unodya chedemo, chebanga hauchiwani. If you talk too loud and too much, you will (only) eat something cut with an axe but not with a knife.
- Kutengana imbwa chiverevere mangwana munorwira changadzo. If you make a deal over a secret, you will fight about the leash tomorrow.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaGiryama vanoti ku-fitsa (v. to conceal from a person).
- VaYao vanoti mapeto (a secret). VaZigula vanoti chinyere (secretly).
- Zigula inoti mafiso (n. secret). Zigula inoti siri (secret) kureva mberembere.
- Zigula inoti Siri ya wantru waidi yafisika. - Secrets of two people are hideable.
- Taabwa noti kufisya (v. To blacken, to darken, to soil, to defile, stain, to cloud a liquid).
- VaGulu vanoti ku-fisa (v. to hide). Taabwa inoti kufisula (to reveal, to discover something hidden).