Rima
Rima, dima kana mhindo (darkness) apa kureva kushayikwa kwechiedza kunosaka kunze kusvipe. Rima rinoonekwa kana zuva radoka kusisina chiedza kana kuti zuva radzikatirwa nemwedzi.
Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- Kudyira sadza mudima rimwe zuva uchadyiswa negudo.
- Mazita ari pedyo: Muzamhindo izita remhuri.
Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- Baila vanoti mushinze (n. darkness) kureva rima. VaFwe vanoti kansikwe (darkness) kureva rima.
- VaNdau vanoti chidima (darkness) kureva rima. VaNgala vanoti moindo (n. dark).
- Bangala vanoti muíndu kana muíndo (n. black) kureva hutema. Fananidzai nokuti mhindo.
- Lunda vanoti wuzhimu (without light. From zhima - extinguish) kureva rima.