Svetuka kuchirochemo

Chiaramu

Kubva Wikipedia

Chiaramu (kureva Aramaic) kana Chiarameiki mutauro we Chishemu (kana Chisemiti) wakarongwa kunzi uri pakati pe mitauro ye Chiafurika-Ezhiya senge Chihebheru ne mimwe wo mitauro.

Wakabva kushandiswa kubva makore 3,000 kare kwose. Waive mutauro waishandiswa na Yesu uye naMajuta emunguva yake.

Zvikamu zvishoma zve bhaibheri zvakanyorwa mururimi urwu, Chiaramu chikaita mutauro wechihofisi we Ubwami hwe Perusiya.

Mushure maArekisondira muKuru (kana Iskandara muKuru), vatauri veChiaramu vakatongwa nevugariro hwe Vagiriki. Mumaguta makuru Chigiriki ndicho chaive mutauro wechimodza. Mushure mekutandira kwe Ukristu mutauro uwu wakaenderera ukatangakuzivikanwa paunjee seChisurya.

Kunyangwe mushure mekutandira kwe Uyisalama (kana Yisalama, Chisalama), Chisurya chakaramba chichitaravara uye man'wadhi mazhinji akanyorwa nemutauro uyu. Asizvo, neufambe, vatuari veChisurya vazhinji vakatanga kushandisa Chiarabhu, kunyanya vaye vakashandura chitendero kuita Uyisalama.

Asihazvo, 445,000 vanhu nanhasi vachiri kuchishandisa, kunyanya muSurya (Siriya), Iraki, uye Turuki, vahobho vawo vachiri Vakristu.

Mashoko ashandiswa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

sw:wiki