Mhakatwa

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuSebhe)

Muchidzidzo fundoyetsimba, sebhe (matter kuEnglish) izwi rinoreva chero chipi chiro chine mumhu, uye chine huremu. Sebhe inowanikwa pamisandu inoti: godo (solid), mutuvi (liquid), gasi (gas) uye plasma.

Mhando dzose dzegasi dzinosanganisira mweya watinofema (air); oxygen; nitrogen; chlorine; sulphur dioxide, zvichingodaro dzose dziri muboka irori resebhe. Tingatadza kutaura kuti ndapfumbata gasi muruoko asi tinokwanisa kukohwa gasi takaritora kuripinza mubhodhoro sezvinoitwa ’’acetylene’’ inoshandiswa nevanonama simbi.

Sebhe inosanganisira zvinhu: zvinobatika nezvisingabatike; zvine mumhu nezvisina mummhu; zvinoonekwa neziso nezvisingaonekwe, zvatinokwanisa kushandisa tichiita mhindu kana bundutso nazvo.

Tiri ipapo zvakanaka kuti tionesane kuti sebhe inosanganisira zvinhu zvakaita semasaisai anowanikwa muchidzidzo chemagetsi nemagineti (Electromagnetic waves). Masaisai aya tinokwanisa kuita mhindu dzakasiyana siyana nawo. Asi izvi zvichange zvichizokurukurwa mberi nokukura kwezvidzidzo zviri kuparurwa muChiShona.

Kupiwa kweZita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mukutaura kwemazuva ose vechidiki kana vachiti sebhe vanoreva chinhu chavashaira zita kana chine zita risina kuuya mupfungwa panguva iyoyo. Muenzaniso wekutaura kwechimanjemanje.

  • Ko kasebhe kaye wakaisa kupi?
  • Ndipowo kasebhe ako.

Saka sebhe chinhu chinozivikanwa kunzi chiripo - pano pari kunzi zvinhu zvose zvakagadzirwa nesebhe inozivikanwa kunzi iripo. Kupiwa kwezita kuchitora mazwi echimanjemanje chinhu chinoitwa mumutauro kazhinji, izwi richipedzesera rapinda mukutaurwa mazuva ose pamwechete nevakuru. Zvakanaka kuti patorwa izwi ragara richitoshandiswa nevezera rechidiki.