Kukohwa (kuunganidza)
From Wikipedia
Pakurima mbesa shoko rokuti kukohwa (reaping or harvesting) rinoreva mabasa anoitwa kana zvirimwa zvaibva (kana kusvika) apo zvinobviswa mumunda.
- Kana chiri chigage kukohwa kunosanganisira kutema magunje, kutyora miguru kubva pagunje, kufurura nokutakura chibage chichitsvetwa mumatara.
- Mabasa ekukohwa donje anosanganisira kupunda mabhora eshinda yacho kubva padzinde, kupatsanura donje kubva kutsvina, nokututira donje mubhero.
Nekumwe kutaura kukohwa kunonzi kukorora zvikurusei kana chiri chibage chiri kukohwewa.