Nyungudika
From Wikipedia
Kunyungudika (dissolving) zvinoreva kutsakakatika kwechiro mumutuvi kana zviviri zvichinge zvasanganiswa. Sokuti shuga inonyungudika mumvura kana mukaka. Chinhu chinzonzi chanyungudika kana chimiro chokutanga chisisaonekwe, zviviri zvasangana kuita chinhu chimwe chine chimiro chakafanana.
Chiitiko chokuti godo rinoshanduka kuva mutuvi zvichitevedza kuiswa pamoto nokukwira kwehujoto chinonzi kunyauka - melting.