Mukaka

Kubva Wikipedia

Mukaka (milk in English) inowanikwa pamhuka dziri pamupanda wedzinoyamwisa. Mukaka unodyiwa nevanhu unokamwa pamombe kana pambudzi. Mombe inokamiwa mukaka panguva yokunge iine mhuru.

Jinya kana majinya (Piece of a curd) kureva horakora remukaka.

Zvinogadzirwa neMukaka[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mukaka unogadziriswa zvinhu zvakawanda zvinosanganisira: yoghurt; cheese; butter; ice cream; milk chocolate nezvimwe zvinwiwa nzvekubikisa.

Kana mukaka uchinge wakodzekwa unoita ruwomba pasi pacho paine mutuvi kana kuti mvura. Ruwomba runoshandiswa ruchidyiwa rwakadaro kana kugadzira butter, cheese nezvimwewo.

Mukaka WaAmai[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Munhukadzi kana asununguka mwana mazamu (breasts) anoburitsa mukaka weanonwisa mwana. Vanoita zvehutano vanokurudzira kuti mwana anwe mukaka uyu kusvika pagore nemwedzi mitanhatu nekuti mumukaka uyu munowanikwa zvese zvinodiwa pakuti mwana akure zvakanaka. Vakadzi vanosununguka vana vaine chirwere cheshuramatongo (HIV) havakurudzirwe kuyamwisa mwana nekuti vanokwanisa kutapurira hutachiwana kumwana nenzira iyi.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Taita vanoti maziwa (n. milk) kureva mukaka. Lomwe vanoti mukaka kureva mukaka.
  • VaNgala neVaKongo vanoti mabele (milk). VaUmbundu vanoti avele (milk) kureva mukaka.
  • Nsenga inoti tua (be white - bright, pure). Fananidzai nokuti mutuvi? Nyaneka inoti amavele kureva mukaka.
  • Lenje inoti makupa kana mandili (milk; fresh milk) kureva mukaka mumbishi. Umbundu inoti kola (v. s., be great; strong, solid, firm).
  • VaGwere vanoti bbongo (n. sour, solid milk) kureva mukaka wakakora. VaLenje vanoti mandili (sour milk) kureva mukaka wakakora.
  • Bushong vanoti mabela (n. milk) kureva mukaka.