Mari

Kubva Wikipedia
Mari

Mari (money in English) inzira yekupima nayo hukoshi hwezvinhu zvinotengeseranwa zvinosanganisira, nhumbi, mhuka, mudziyo, basa, hushumiri nezvimwewo zvinotengwa nemuripo wemari. Makarekare vanhu vaitengeserana vachipanana zvinhu zvacho chaizvo zvinodiwa, sokuti aive nechibage aikwanisa kuripa vamushandira kumunda nechibage chakare.

Nokufamba kwenguva vanhu vakatanga kutenga nemari yaigadzirwa nesimbi kana nezvimwe zvishongo zvaikosheswa panguva iyoyo. apkushanda kwemari, chinhu chinopiwa hukoshi hunoenderana nehuremu uye basa rakashandwa kuti chinhu ichi chivepo. Mutengo unotarwawo zvichienderana nekuti chinhu ichi chinowanikwa kana kushayika zvakadii.

Mamwe Mazita emari ndiwo anoti: mbong'o, shagi, mashereni.

Kubatwa nekurongwa kwemashandisirwo emari kunonzi Muduso - muZimbabwe Tendai Biti ndiye gurukota rinowona nezveMuduso - inonzi Finance kuEnglish.

  • Kuripira kana kudusira (pay).
  • Rudungo, danda kana rubatso (pledge) apa kureva mari yakavimbiswa kupiwa kubasa riripo pangava paKereke kana pamusha. Vamwe vatauri vanoti pinyoro kureva rudungo - iri izwi rinobva kuchiPortuguese chinoti penhor.
  • Homwe, hombodo, mbudu, nyede mazwi anoreva panobangirwa mari kana zvimwe zvakakosha. Rimwe remazwi aya rinokwanisa kushanda kuturikira chinonzi fiscal, kana fiscus kuEnglish. Izwi rokuti fiscus ndere Latin rinoreva purse or basket made of twigs in which money is kept.
  • Ronza (deposit money in account or bank)
  • Mupambadzi makusha kana chikushumuri (Spendthrift, a pesron who spends money in an extravagant or wasteful way) zvichireva munhu anokusha mari achishandisa zvinju nhando.
  • Chiyamukuro kana chituso (reward or return for labor expended).
  • Kutapura (to draw form a supply).

Nhoroondo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mhita (bead used as currency) ichi chaiva chuma chaishandiswa semari makare-kare.
  • Masunhwa (Deductions made beforehand; Levy) apa kusunha kunoreva kubvisirwa mari pamuhoro webasa iyo mari isati yasvika kumwene wayo.
  • Kuita musomorera (pay by installment)

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Ruomera, rutsuta kana utsuta (stinginess) apa kureva munhu anonyima kana asingadi kushandisa mari - uyu munhu anonzi akaomera. Kuomera sechapungu chisingadonhedzi munhenga.
  • Kuunzika kana kuunganidza (to accumulate, heap together, gather together).
  • Kutsivira (to pay back, compensate, make restitution) apa kureva kudzorera zvemumwe zvakarasika kana kukuvara; kudzorera zvanga zvabiwa.
  • Kuposhana kana kuposana (to borrow from and lend to one another) apa kureva kukweretana ingava mari kana nhumbi. Pada mashoko aya anokwanisa kuzoshanda kuturikira trade kana exchange. Uku kunonzi kuposa kana kuposha.
  • Ndizvo Abrahama wakamiruka mangwanani, akatora chingwa nenyede yemvura, akazvipa Haga: Abraham got up early in the morning, took bread and a skin of water and gave it to Hagar. (Genesis 21: Bhaibheri reChiNdau).
  • Ngokuti vakatitengesa, vakadya chuma chedu: since he has sold us; moreover, he has consumed everything he received in exchange for us. (Genesis 31:15 Bhaibheri reChiNdau).

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mari ine chitema, mai vakatengesa mwana. Money is bound up with evil; (it caused) the mother to sell her child (daughter).
  • Mari ndiwo mudzi wezvakaipa. Money is the root of all evil.
  • Mari ipfuma yanyakutsvitsana. Money is wealth, coming and going.
  • Mari ipfuma yaTsvitsanai. (-tsvitsa: cause to reach) Money is the wealth of Mr. Caused-to-reach-it.*
  • Mari haina dura. Money needs no granary.
  • Mari makambidzanwa. Money is something that circulates.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]