Muduso

Kubva Wikipedia

Muduso (muChingezi: finance) zvinoreva kuwanikwa nokumanejewa kwemari, nokubatwa kwose kwemari pane kutenga nekutengeserana. Boka riri kuripa mari kana kupa mari pane chinhu chiri kutengewa rinonzi riri kudusa. Mari yacho iri kupiwa inonzi muduso zvakare.

Gurukota rinowona nezveMuduso ndiPatrick Chinamasa.

Kupiwa kweZita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mukutaura kwemazuva ano unonzwa kuchinzi:

  • Wotodusa kana uchida kuti zvifambe - kureva kuti ipa mari - "finance".
  • Takaenda kunoshanya kuKariba, kambani yedu ndiyo yakapa muduso werwendo urwu .

Tikatarisa kukura kwakaita mutauro weChingezi tinoona vaikwereta mazwi kune mimwe mitauro uye mamwe mazwi akatanga ari "sleng'i" akazopinda mukutaura kwemazuva ose achitoshandiswawo kumabasa nevakuru. Shoko rokuti muduso rinenge rakafanira kutsanangura chinonzi "finance".

Muenzaniso[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chinyorwa chiri pano vazhinji vanokwanisa kuchinzwisisa nokuturikira kuenda kuChingezi zviri nyore

  • Pane zambuko rakavakwa rinoyambuka rwizi Zambezi paChirundu. Muduso wokuvaka zambuko iri wakabva kuJapani, Bhanga guru rekuJapani ndiro rakadusa.
  • Mukuturikira kunonzi. A bridge was built that crosses the Zambezi river at Chirundu. The bridge was built with finance from Japan, the Bank of Japan financed the project.