Guta

Kubva Wikipedia
Kana Muchitsvaka zvimwe zvirevo endai uku: Guta (tsauranisa chirevo)
Dhorobha

Guta (kureva city; polis) kana ghuta zvinoreva nzvimbo yakakura yakagarwa nevanhu vakavaka dzimba nezvimwe zvivakwa. Gutaguru reZimbabwe rinonzi Harare; mamwe maguta anosanganisira, Bulawayo, Gweru, Mutare, Kadoma, Chinhoyi, Bindura.

Mamwe mazita anoshndiswa ndeekuti dhorobha kana kuti taundi.

  • Shoko rokuti taundi rinobva pana town kuEnglish.
  • Shoko rokuti dhorobha rinobva pana dorp kuAfrikaans.
  • Katungu zvinoreva musha uri kwawo wega kusina vamwe - isolated dwelling place.
  • Chivakamberi cheEnglish chokuti -polis chinodudzirwa kunzi a combining form meaning city.
  • Izwi reEnglish rokuti polity rinodudzirwa richinzi a state or other organized community or body. Dudziro iyi yakafanana nechita.

Nhoroondo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mukutaura kwakare guta zvinoreva musha waShe, uyu uri musha wakakura ungadzi zvakare nzanga.
  • Ko iwo mazita anoti Chizanga naKazangarare anomborevei? KuChewa izwi rokuti mnzanga (my companion) rinoreva shamwari yangu.

Gutaguru[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nyika imwe neimwe ine guta rakasarudzwa kuti rive ndiro gutaguru. Kazhinji guta iri ndiro rinenge rakavakwa hofisi dzemutungamiri wenyika uye hofisi dzemakurukota ehurumende yenyika iyi. Munyika dzakawanda gutaguru ndiro rine hugari hwevanhu vakawanda kudarika mamwe maguta ose enyika iyi. Asi mune dzimwe nyika zvinoitika kuti guta guru harisiro rine hugari hwevanhu vakawanda kudarika mamwe maguta ose enyika iyi. Somuenzaniso gutaguru reNigeria rinonzi Abuja rine hugari hwevanhu 776,298 asi guta reLagos rine vanhu vanosvika 7,937,932. Kunyika yeCanada gutaguru reko Ottawa rine hugari hwevanhu 883,391 asi guta reToronto riine hugari hwevanhu 2,615,060; kureva kuti huwandu hwevanhu muToronto hwakapetwa kana kudarika Ottawa.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Muzinda rinokwanisa kureva capital city zvakare.
  • Nzetete (very large town).
  • Jarati (large town).
  • Gute (act of surrounding) zvichireva kukomberedzwa nevanhu.
  • Chita (confratenity, congregation, association, assembly) zvichireva boka revanhu, sokuti chita chevarimi.
  • Gutumukutu kana magutumukutu (Very : large number or amount of things.

Mitauro yekuAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvichida mazwi emitauro yeBantu aya anokwanisa kuturikira chinonzi polis, polity, policy, politics, politician kuEnglish.

  • VaChewa vanoti mzinda (a capital; a town; a city) kureva guta. VaChewa vanoti anzinda kana wanzinda (citizen).
  • VaKongo vanoti mbanza (metropolis). Kimbundu vanoti kilombo (n. village, city).
  • VaZigula vanoti mzi kana kaya (n. town). Shambala inoti lukuta (n. wall) kureva mudhuri.
  • VaWanga vanoti itokho (chief’s village; the seat of government; the capital) vachireva musha waShe kana muzinda.
  • Bambara vanoti dugu (n. city) kureva guta.