Zviperengo zvehuwandu

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKana (nhamba))

Zviperengo Zvehuwandu: izwi zviperengo zvinoshandiswa kumirira huwandu muzvinyogwa.

Ngatitangei nezviperengo zvehuwandu:

0 = chipasina (iri ishoko idzva rinoreva chiperengo 0)

1 = motsi (imwe)

2 = piri (mbiri)

3 = tatu (nhatu)

4 = china (zvina)

5 = shanu (zvishanu)

6 = tanhatu (nhanhatu)

7 = nomwe

8 = sere

9 = pfumbamwe

10= gumi

100 = zana, iri riri gumi raka gumirana

1,000 = chiuru, ichi chiri gumi ramazana

10,000 = Zviuru gumi kana kuti mazazanana awa ari mazana akazanirana

100,000= Zviuru zana kana kuti zviuru zana kana kuti zana rezviuru (zvuru zana)

1,000,000 = miriyoni kana kuti churuzvuru zvichireva chiuru chezviuru


Muenzaniso:

347 = mazana matatu anemakumi mana nenomwe


431,257,698 = Mazana mana ane makumi matatu nechimwe echuru chezviuru, zvine mazana maviri nemakumi mashanu anezvinomwe zvezviuru, zvine mazana matanhatu ane makumi mapfumbabwe nesere. Mamiriyoni mazana mana ane makumi matatu neimwe, zviuru mazana maviri ane makumi mashanu nenomwe, mazana matanhatu ane makumi mapfumbamwe nesere.


Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

(Pfungwa neyambiro zvakanyogwa pano zvaida kunyogwa kuHurukuro nokuti zvinoda vamwe tese tinyorewo pfugwa nemazano zveduwo. Pfungwa dzevanyori nemazano avanopanana hazvifaniri kunge zviri mukati megwaro rino nokuti hazvisi mumusoro wenyaya yegwaro rino. Gwaro rino rinofanira kunyogwa pamusoro peZviperengo Zvohuwandu chete chete kwete mazano nekupana pfungwa kwevanyori.)

Zvakafanira kuti pave nokupfupisa manyorerwo enhamba kuti usava murabaraba wemashoko. Imwe yenzira ingatevedzwa kubvisa mashoko anotaura pahuzhinji sokuti nokubatanidza mashoko ari kutaura nhamba imwe. Sokuti panzvimbo pokuti makumi matatu poshandurwa kuti guminhatu; panoti mazana maviri pomira pakati zanambiri. Hongu zvinoita sokunge zvabuda pamatauriro emazuvaose asi zvinobatsira kupfupisa.


Cherechedzai zvakare kuti ana koma vanotsvetwa mushure menzvimbo nhatu dzega-dzega zvichibva kurudyi kuti nhamba ireruke kuverenga. Pakati pezvibodzi nezvikamu panotsvetwa poyindi. Pakunyora zvakara panotsvetwa koma anotaridza kuti pave kutaurwa nhamba dziri pakati pakoma. Ngatitarisei muenzaniso 431,257,698 nokunyora kwemazuvaose, kunyora kunopfupisa, manyorero kuEnglish sezvizvi:


  • Miriyoni mazana mana ane makumi matatu neimwe, zviuru mazana maviri ane makumi mashanu nenomwe, mazana matanhatu ane makumi mapfumbamwe nesere
  • Miriyoni zanaina guminhatu neimwe, zviuru zanambiri gumishanu nenomwe, zana nhanhatu gumipfumbamwe nesere.

Chiperengo chinomirira pasina zvinhu (0)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chiperengo ichi, 0, chinomirira kusavapo kwechinhu.

Chi Vanhu changa shisina shoko rinoreva chiperengo 0.

Chipasina kana kuti chishaiwe/shaikwe mashoko anga shandiswe here?


Masvomhu T
Pimanzvimbo Chiyero chekupimisa | Mutsetse | Chiumbwa | Hurefu | Hwasha | Hudzamu | Hukwidza | Gonya | Sambamba | Twasuka | Munyonga | Hubumbe | Hufombwe | Mutwi | rurama | Sandarara | Mutsendo | Nharaunda | Uso | Mumhu | Chimiso | Nzenda | Zviringani | Tsazaniso | Mutsazanisi | Chidzudzani | Kupimirana | Gonyazhinji: Gonyanhatu (Gonyanhatu tsazakose | Gonyanhatu tsazakose | Gonyanhatu yemutwi) | Gonyaina (Gonyaina tsazamativi | Gonyaina sambamba | Gonyaina tsazamakonya | Gonyaina sambambiri | Skweya) | Denderedzwa (Nhara | Pimadanho | Danhamakonya | Pimamuganhu) | Zhumwi (Chikunguru | Urungano | Charaka | Dumba | Akiso)
Huwandu Kubwerengedza/kuwedzera | Kubvisa | Kutsinhanisa | Kukamura kana kuti kugovanisa
Zviperengo zvehuwandu chipasina | motsi | piri | tatu | china | shanu | tanhatu | nomwe | sere | pfumbamwe | gumi | zana | chiuru