Rupandano

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuRupandano rwakadondeka)
y na x dzine Rupandano rwakadondeka

Muchidzidzo masvomhu, izwi rokuti rupandano (Proportionality in English) rinocherechedza hukama huripo pakati pehuwandu hwezvipimwa zviviri. Ngatitii munhu anoshanda pabasa panobhadhara $60 pazuva (8hr). Kana akashanda 6 awa anenge achifanirwa kubhadharwa $45 kana kuti (60 x 6/8) nokuti ashanda Chiharu chezuva chete. Iyi ndiyo mari inoyenderana nenguva yaashanda. Akashandawo 4 awa, anenge akafanirwa kubhadharwa $30 kana kuti (60 x 4/8). Saka apa mubhadharo unopiwa serupande rwemari yepazuva rose rokubata basa (8hrs). Kutaura kwekuti Rupandano kunorevera kuti huwandu hwemari yabhadharwa hunofananidzwa nemari yekushanda zuva rose nechimedu chinonyorwa paenzane sezvizvi:


Mari yabhadharwa = (Mari yepazuva x Nguva yashandwa)/(Nguva yekushandwa pazuva) = (60 x N) x 1/(8)

Kureva kuti chikamu chezuva chinobhadharwa chichitevera chivavatara cheRupandano 1/8, apa N anomirira awa dzashandwa pazuva. Munhu achinge ashanda zuva rose (8hr) anowana chikamu (8/8 = 1) chemari yepazuva, inova (60 X 1)

Kupiwa kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Bande kana rupande - One of the portions, equal or unequal, into which anything is divided - apa kureva chimwe chezvikamu chakaumba chiro, mutumbi, boka kana nzvimbo.
  • Kupandavara - to grow big each in it's own way - kukura kwemhande imwe neimwe ichizvikurira.

Mutowo weRupandano[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Apa x na y zvine Rupandano rwakakondeka

 : y = 1/x Kuti pabude y panokondekwa x kunze kwepana x = 0.

  • Rupandano rwakadondeka runoitika apo huwandu hwechinhu huchinge huchikura panokurawo huwandu hwechimwe chepiri.
  • Somuenzaniso wapiwa pamusoro wokuti mari inobhadhrwa munhu inowanda nokuwandawo kuniota nguva yaashanda.
  • Mumwe muenzaniso werupandano rwakadondeka unowonekwa ndewekuti chikafu chinodyiwa nevanhu pamabiko chinowanda nokuwandawo kwevanhu vauya pamabiko.


  • Rupandano rwakakondeka rinoitika apo huwandu hwechinhu huchinge huchidzika apo panenge pachikwira huwandu hwechimwe chepiri.
  • Somuenzaniso kana muchovha uri kufamba kubva Harare kuenda kwaMutare, nguva inotorwa kufamba rwendo urwu inodzika apo panokwira spidhi yemuchovha. Apa tinoti spidhi nenguva yerwendo zvine rupandano rwakakondeka.
  • Kana pachisakurwa maricho, nguva inotorwa kusakura munda acre rimwe inodzika kana huwandu hwevanhu vari kushanda maricho huchikwira. Apa zvakare nguva yekusakura nehuwandu hwevanhu zvine rupandano rwakakondeka.


Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mashoko ari pano achada kunhadziridzwa kuti areve zvinodiwa nemazvo.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mururimi rweLuwanga vanoti okhuyerana (to be equal).