Patrick Fani Chakaipa

Kubva Wikipedia

Most Reverend Patrick Fani Chakaipa (25 Chikumi 1932 – 8 Kubvumbi 2003) aiva Archbishop weHarare kubva muna 1976 kusvika parufu rwake mugore ra2003.

Hupenyu hwepakutanga[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Akaberekwa kwaChirundazi ( Mhondoro ) nzvimbo ingasvika makiromita zana kumaodzanyemba kweHarare . Aive muZezuru . Hupenyu hwake ari mudiki hwakanyanya kuratidza mararamiro evanhu vechiZezuru zvinosanganisira kufudza mbudzi kana makwai pamwe nekushanda muminda. Akapinda zvidzidzo zvesekondari paMichael’s Mission Mhondoro, chinove chikoro cheRoman Catholic . Aizivikanwa zvikuru nokuda kwechirango chake chakasimba mukati memazuva echikoro uye kutsungirira mumamiriro ezvinhu akaoma. Aive shasha panhabvu uye aizivikanwa nerudo nezita rake rekutanga rekunzi Fani.

Basa rake saBhishopu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Aive bhishopu wekutanga weRoman Catholic muRhodesia / Zimbabwe . Mumakore ake echikoro chebhaibheri akanga ari munyori ane hunyanzvi uye akapedza mabhuku akati wandei akanyorwa nemutauro wake weZezuru . Mamwe emabhuku aisanganisira adventure and African Culture folklore (Rudo Ibofu, Garandichauya, Karikoga Gumi Remiseve, Pfumo Reropa, Dzasukwa Mwana Asinahembe). Akabatsira zvikuru kuchengetedza chitendero cheCatholic pakati pevaMhondoro vakakurudzira vechidiki vechiZezuru vaigara kuMhondoro kuti vapinde muhufundisi. Vakatungamira pakutoreswa mhiko kwemutungamiri weZimbabwe wekutanga mutema muAfrica Komuredhi Robert Gabriel Mugabe . Vakatungamira muchato wemutungamiri wenyika nemudzimai wavo wechipiri Amai Grace Mugabe .

Kuvigwa kwake[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mushure mekufa kwake mugore ra2003, akavigwa kumarinda ekuChishawasha pedyo neHarare .Template:S-start Template:S-rel Template:Succession box Template:Succession box Template:S-end