Svetuka kuchirochemo

Njororo

Kubva Wikipedia
Njororo

Njororo (Nomadacris septemfasciata) imhando yehwiza inowanikwa muAfrica zasi kweSahara.

Njororo yakura ine ruvara runosanganisa biege uye brown. Hwiza iyi ine mitsetse minomwe ye brown pamapapiro emberi. Mukono wenjororo unoreba 60–70mm; hadzi yako inoreba 60–85mm.

Bupira reHwiza Zhinji

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pane mwaka inoita bupira rehwiza zhinji dzinomhuma padunhu rimwe dzichiparadza zvirimwa mudunhu iroro. Matunhu ane kupfachukira kwehwiza zhinji anozivikanwa ri kuZambia, Tanzania, Malawi, Madhagaska, neRéunion. Mudunhu reSaheru, mhando yehwiza iyi inowonekwa apa neapo kuCape Verde, central Niger River delta kuMali, uye munzvimbo dzakakomberedza Lake Chad. Gurumwandira rehwiza rakapedzisira kuitika 1930-1944, apo hwiza zhinji dzakapinda mudunhu reku Chamhembe kweAfurika.