Mwedzi muChadenga

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMwedzi (mutumbi))
Kuonekwa kweMwedzi paJenaguru remusi wa14 November 2016
Ma-phase emwedzi
ma-phase emwedzi achiitika

Mwedzi (chikwangwani: ☾; Chirungu: moon) mutumbi uri muchadenga unopoterera Rinopasi kamwe pamazuva makumi maviri nemanomwe (28). Mwedzi une boterekwa rinopoterera rinopasi uchiita dendera rimwe (1) pamazuva 28.

Nhevedzwa dzeMwedzi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Jenaguru (Full Moon; mwedzi uzere) – izvi zvinoreva mazuva apo mwedzi unenge uchiwonekwa ose. Iyi ndiyo nguva yaitambwa jiti.
  • Kugara kweMwedzi kana kutawa kwomwedzi paChindau (New Moon) chiitiko chinouya kamwe pamazuva 29.5 – kuchirungu nguva iyi inonzi new moon. Kugara kwemwedzi kunoitika apo zuva nenyika zvinenge zviri kumativi akapesana emwedzi, iwo mwedzi unenge uri pakati. Kana zvadai, divi remwedzi riri pedyo nenyika rinenge riri murima, nokudaro mwedzi unenge usingaoneke kubwinya pano panyika. Panguva iyoyi mwedzi unobuda panguva imwecheteyo inoyedza zuva, izvi zvoreva kuti kubwinya kwezuva kunokurira mwedzi, iwo mwedzi woshaya kuonekera pano pasi.
  • Jedzana, njedzana kana ruchenje (first quarter, first ten days) – aya ndiwo mazuva apo mwedzi unenge uri mudiki. Vakare vaitenda kuti mvura inonaya pajedzana remwedzi. Vamwe vatauri vanoti njedzana.
  • Rikati (second phase, 2nd ten days).

Mhindo (last quarter) – aya mazuva gumi okupedzesera panhevedzwa dzemwedzi. Mwedzi waenda kumhindo: the moon is waning. Pamazuva echiseremkusvika rechipfumbamwe pamhindo anonzi mwedzi wafa.

Kudzikatidzwa kwemwedzi (eclipse of the Moon) zvinoreva kuvhariridzwa kwemwedzi kunoitika kana zuva, Rinopasi, nemwedzi zvanangana zviri pamutsetse wakati twasa; apa Rinopasi rinenge riri pakati pezuva nemwedzi. Chinoitika ndechekuti mwedzi unenge usisa tambire chiedza chinobva kuzuva, chinova icho chinoonekwa sechadzera pakupenya kwemwedzi manheru. Kana zvadaro mwedzi unoenda murima kwechinguvana, kusvika mitumbi mitatu iyi yapesana pasisina kuvharidzirwa kwechiedza chinobva kuzuva chinoita chadzera chinopenyesa mwedzi.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]