Mutumwa

Kubva Wikipedia

Mutumwa (kureva Angel; Celestial/Devine messenger, sepaChivanhu; ) kana ngirozi ishoko rinoshandiswa mutsika yedu kureva muumbwa kana musikwi waMwari anoburuka kubva kudenga achiuya nenhau kuvanhu, senge madhidhizha, madzinza uye nyika.

Zvinamato[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Ujudha[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

MuChijudha, vatumwa, (Chihebheru: מַלְאָךְ‎ mal’āḵ; kureva "mutumwa; munyai; nhume"), vanonzwisisikwa muzvitsananguro zvemuTanakh uye mutsika sevaumbwa wechiwudzimu vanomira naMwari mudenga, asi vanosiyaniswa naMwari uye varikutsi kwavo. Dzimwe nguva Mwari vanovapa mirairo uye zvido zvavo zvokurakidza kuvanhu.

Bhaibheri rechiHebheru[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

MuTorah (Bhaibheri rechiHebheru) maneno okuti מלאך אלהים (mal'āk̠ 'ĕlōhîm; "mutumwa waMwari"), מלאך יהוה (mal'āk̠ Yahweh; "Mutumwa waShe"), בני אלהים (bənē 'ĕlōhîm; "varumbwana vaMwari") uye הקודשים (haqqôd̠əšîm; "avo vatsvene") kureva vaumbwa/vasikwi vanonzwisiswa sevatumwa. Garegare mamwe mashoko akashandiswa mumahhwaro, senge העליונים (hā'elyônîm; "vekumusoro").

Ringai futi:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]