Musi weChisi

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Musi weChisi zvinoreva zuva rakatarwa patsika dzevanhu vari mudunhu kuti vanhu vasashanda pazuva irori. Kana kuri kumaruwa vanhu havatenderwi kupinda mumunda kuri vashande pazuva iri. Kune mamwe matunhu vanhu havatenderwe kunge vachipinda mumabindu kuti vashande, asi kune mamwe matunhu vanotenderwa kushanda mumabindu anorimwa muriwo. Vamwe vatauri vanoti mahakurimwe.

Kumatunhu mazhinji chisi chiriko musi wechishanu.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaLunda neVaLenje vanoti chisi (country, region, land, district, village and its neighbourhood).
  • VaTonga vanoti cisi (land, country, place, nation).
  • VaLenje vanoti chisi, nshi kana nsi (country, land, region, district, ground underfoot) apa kureva pasi kana pavhu.
  • VaGiryama vanoti tsi (land).
  • Kinyarwanda inoti isi (world, earth).
  • VaLugwere vanoti chisi (region, country).
  • VaFwe vanoti cishi cangu (my country) kureva nyika yangu.