Musana wemunhu
Mataridziko
Musana wemunhu chikamu chemuviri chiri kumashure, chinobvira pamusoro pemagaro kusvika seri kwemutsipa nemapendekete. Musana uri seri kwedundundu wakamira uchitevedza mapfupa emuzongoza, uye une hwasha hwakatsigirwa nembabvu uye nemapendekete.
Mudinhi (the coccyx, bone at the end of the spine).
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kufuratira kunoreva kuti munhu akupira musana atarira divi rimwe risiri kwauri.
- Mhuvha kana muvha (Place or direction behind one's back).
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Chewa inoti msana (the back). VaShambala vanoti pingili (n. vertebrae).
- Taabwa inoti musana kana muongo (the back) kureva musana.
- VaBukusu vanoti kúmúkóongo (n. back of body, spine, backbone) kureva musana.
- VaYao vanoti mgongo (the back, the backbone) vachireva musana.
- VaNgala vanoti mokongo (back of body) kureva musana.
- Kikuyu, Shambala neLunyoro vanoti mugongo (back of body - lumbar region) kureva musana.
- Luwanga inoti omukongo (n. back) kureva musana.
- Zigula inoti mwiwa (spine) kureva muzongoza. Shilluk inoti chan (adj. behind).
- VaBwisi vanoti mughongo (n. back) kureva musana. VaBwisi vanoti chiwisa cha mgongo (a vertebra) kureva rimwe remapfupa anomisa musana.