Murimo (Masvomhu)

Kubva Wikipedia
Mutaro mutsvuku uyo murimo wa x unonyorwa wakanzi f(x)

Muchidzidzo chemasvomhu murimo (function in English Mathematics) hukama huripo pakati pemapoka maviri anonzi nhutirwa nenhururwa - inputs and outputs. Nhutirwa imwe neimwe inenge ichidyidzana nenhururwa imwe yoga.

Somuenzaniso murimo chinopa hukama pakati pa x neskweya yacho x2. Zvinoturuka kana kubuda kubva pamurimo, f zvichipindirana nenhutirwa x zvinotaridzwa nekunyora kunoti f(x) - (inoverengwa ichinzi murimo wa x). Pamuenzaniso uri pano, kana nhutirwa ari −3, nhururwa ichava 9, izvi zvigonyorwa zvichinzi f(−3) = 9.


Kupiwa kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko rokuti murimo rakasarudzwa nokuti nhutirwa imwe inonangana nenhururwa - X anopanga Y mumwe.

Zvakanyorwa pano hazviko kuChiShona chinodzidziswa kuZvikoro asi kudzesera kuturikira chete - kana izwi kiri nani rawanikwa ndiro richatsiva rokuti murimo.

  • Murimo (function; utility). Chinhu ichi chine murimoyi?

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kupanga (to make; fabricate; formulate) zvinoreva kugadzira pakutaurwa mururimi rweMakua neChewa.