Nhururwa
Mataridziko
Nhururwa (Outputs English) zvinotaura chero zvinhu zviri kubuda panharaunda iri kucherechedzwa.
- Kana pari pakurima nhururwa zvinhu zvinosanganisira: goho rembeu dzingava chibage kana zviyo, nyama yezvipfuyo, mukaka nezvimwewo.
- Kana pari pabhazi nhururwa ndiyo mari yabatwa uye kushandirwa kwaitwa vafamba parwendo nebhazi.
- Zvacho zvinopinda panharaunda iyi zvinonzi nhutirwa.
- Hukama huripo pakati penhutirwa nenhururwa hunotsanangurwa nemunangatire.
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Shoko rokuti nhururwa rinotodza mashoko anoti kudurura, kuturura kana kuturuka. Kuturura zvinoreva kuburutsa kana kubvisa zvinhu panharaunda iri kucherechedzwa, iri kutaurwa nezvayo. Kuturuka zvinoreva kuburuka kana kudonha sokunaya kunoita mvura.
- Shoko ndiro rimwe kuti nhururwa paumwe nepakuwanda.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaDigo vanoti turuka kana kutoka (to come out) kureva kubuda.