Mukombachoto

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Mukombachoto izita remhuri rinowanikwa muZimbabwe. Iri zita rinokwanisa kureva kukomberera choto.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • Vatauri veLuvale vanoti kukomba (sweep or clean) kureva kutsvaira kana kuchenesa.
  • Vatauri veOshindonga vanoti komba (sweep) kureva kutsvaira.
  • Vatauri veHerero vanoti otyikombo (broom) kureva mutsvairo.
  • Vatauri veUmbundu vanoti komba (sweep) kureva kutsvaira.