Makonzwa
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuMugari ane Makonzwa)
Mugari ane Makonzwa munyika (permanent resident kuChirungu) munhu akatamira munyika achibva kunze asati agamuchidzwa husanyika asi aine mvumo yokugara munyika iyi. Munyika zhinji mugari ane makonzwa anopiwa mvumo pazvinhu zvinoti: kugara munyika; kushanda munyika; kuenda kuchikoro; kuripa mitero nekugashirawo zvinobva pakuripa mitero yacho. Asi mugari ane makonzwa haatenderwi kuvhota kana kukwikwidza musarudzo dzematongerwo enyika. Makare munhu ainzi ane makonzwa kana agamuchirwa mumusha kuva senhengo yemusha uyu.
Permanent residency inenge yonzi hugari hwemakonzwa.
- Kukonza (take up permanent residence) apa kureva kugara panzvimbo zvokuti wava wepo usisiri muenzi kana Mutorwa.
Zvirevo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kugara hunzwana (navamwe). In order to get settled (at a place) one should be on good terms with the neighbors.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kimbundu inoti kukondama (v. stay assured; stay safe). Mamwe mazwi: kukondamesa (v. asylum; to secure; make safe).
- Lozi inoti -koza (v.i. to apply to a foreign ruler for protection; to live in peace). Mamwe mazwi: -kozisa (caus. (to welcome a refugee and allow him to settle down)
- Lozi inoti -kozeleza (int. to live permanently under a foreign ruler). Fananidzai nokuti makonzwa.
- Xilenge vanoti kukonza (n. to be under some one, as one's landlord, master, etc.) kureva gumbo. Fananidzai nokuti makonzwa?
- VaIkizu vanoti okʉkonza (hospitality, generosity). Fananidzai nokuti makonzwa? VaRundi vanoti gutsindaza (stay in one place permanently).