Mombe dzeMukaka

Kubva Wikipedia

Mombe dzemukaka dzinopfuyiwa nechinangwa chokuti dzipe mukaka wakawanda.

Kukama (to milk) zvinoreva kusvina mazamu emhou yemombe, nghamera kana mbudzi kuti mukaka ubude. Kazhinji mukaka unokamwa munguva dzemangwanani. Vane mombe dzakawanda kumapurazi vanokama nemichina.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaRundi inoti gukama (to milk) kureva kukama. Lugwere vanoti kikamiro (v. container used for holding milk when milking).
  • Fwe vanoti kukama kureva kukama. VaFwe vanoti mukamiso (squeezing tool). Giryama vanoti kukamula (v. squeeze).
  • Nyakyusa vanoti kama (milk, squeeze) kureva kukama. VaNyakyusa vanoti kamula (squeeze out) vachireva kukama.
  • MaZulu vanoti ukusenga inkomo kureva kukama mombe. Mamwe mazwi: umsengi (n. one who milks). Sengwa (be milked) kureva kukamiwa.
  • MaZulu vanoti ehlisa (yield; let flow freely - of milk or rain) kureva kusisa.
  • Kinande vanoti erikama (v. milk, extract by pressing) vachireva kukama.
  • Lubwisi vanoti kukama (v. Squeeze; wring out) kureva kukama.
A Holstein cow with prominent udder and less muscle than is typical of beef breeds